Psalms 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?
Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?
2Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,
uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?
Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

3Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.
Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;
4muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”
uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

5Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;
mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
6Ndichaimbira Jehovha,
nokuti akandinakira.
Copyright information for SnaBDSC